Kereke ye The Later Day Saints yobatsira kuvaka chikoro cheGlobe and Phoenix


03 Feb 24

Click here to watch video

Kereke ye The Later Day Saints yave kuzobatsira kuvaka chikoro che Globe and Phoenix Puraimari chitsva mushe mokuvharwa kwacho gore rapera.

Mashoko aya akaziviswa neGurukota rezvefundo yePuraimari neSekondari vaTorerayi Moyo apo vange vachitungamira kucherechedzwa kwezuva rokuchenesa nharaunda vari pachikoro cheKwekwe High muguta reKwekwe nhasi 02 Kukadzi 2024.

VaMoyo vati bazi ravo rinoshandidzana zvakanaka chose neKereke iyi mukusimudzirwa kwezvirongwa zvedzidzo kuburikidza nemabasa ekuvaka ayiri kuita kune dzimwe nzvimbo munyika.

‘’Takakwanisa kuwana rubatsiro kubva kune veKereke ye Jesus Christ of the Later Day Saints varikuda kuvaka mamwe makirasi gore rino ,asi handisati ndaziva kuti kotoro ino kana kuti inotevera’’ vadaro vaMoyo.

Chikoro che Globe and Phoenix Puraimari chakavharwa mushure mekuonekwa kuti hazvichakodzeri kuti vana vadzidzire panzvimbo iyi mushure mokuondomokera kwehwaro hweimwe kirasi gore radarika.

Chikoro ichi chine vadzidzi vanosvika chiuru nemazana mana ,uye pari zvino vari kudzidza vari mumakirasi ematende ayo akamisikidzwa munhandare yechikoro chiri pedyo che Sally Mugabe

Nokuda kwekusanduka kwekunze vana ava havadzidzi zvakanaka nokuti dzimwe nguva vanovhiringwa nemhepo kana kupisa kwekunze.

Mabasa ekuchera nekutsvaga goridhe ndiwo akavhiringa nzvimbo yakakomberedza chikoro ichi sezvo painge pave nemwena inodarika nepasi pemakirasi echikoro ichi.

VaMoyo vakataridzira kuti kana basa rekuvaka chikoro ichi richinge ratanga haraizotora nguva refu risati rapera.